Judges 5

Rwiyo rwaDhibhora

1Nomusi uyo Dhibhora naBharaki mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti:

2“Kana machinda aIsraeri achitungamirira,
kana vanhu vachizvipira pachavo
Jehovha ngaarumbidzwe!”

3“Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi!
Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba;
ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.


4“Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri,
pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika
yakadengenyeka, matenga akadurura,
makore akadurura mvura pasi.
5Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai,
pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri.

6“Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati,
mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa;
vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera.
7Upenyu hwomumisha hwakapera,
hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka,
ndasimuka ini mai muIsraeri.
8Pavakasarudza vamwari vatsva,
hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta,
uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwa
pakati pezviuru makumi mana muIsraeri.
9Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri,
navaya vanozvipira pakati pavanhu.
Rumbidzai Jehovha!

10“Imi munotasva mbongoro chena,
mugere pamachira ezvigaro zvenyu,
nemi munofamba munzira,
cherechedzai
11inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura.
Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha,
Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri.

“Ipapo vanhu vaJehovha vakaburuka
vakaenda kusuo reguta.
12‘Muka, muka, Dhibhora! Muka,
muka, uimbe rwiyo!
Simuka, Bharaki!
Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’

13“Ipapo varume vakanga vasara
vakaburuka vakaenda kumakurukota;
vanhu vaJehovha vakauya
kwandiri navane simba.
14Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki;
Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe.
Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka,
kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo.
15Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora;
hongu Isakari akanga ana Bharaki,
vachimhanyira kumupata vachimutevera.
Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
16Seiko wakagara pakati pezvoto kuti
unzwe muridzo unoridzirwa matanga emakwai?
Mudunhu raRubheni makanga
muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
17Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani.
Uye Dhani akasarireiko pazvikepe?
Asha akasara zvake pamahombekombe
Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa.
18Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi;
neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda.

19“Madzimambo akauya, akarwa;
madzimambo eKenani akarwa
paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho,
asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa.
20Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa,
dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.
21Rwizi Kishoni rwakavakukura,
irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni.
Pfuurira mberi, mweya wangu, simba!
22Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira,
kumhanya, kumhanya kwoune simba.
23Mutumwa waJehovha akati, ‘Tuka Merozi.
Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo,
nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,
kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’


24“Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru,
iye mukadzi waHebheri muKeni,
akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende.
25Akakumbira mvura, iye akamupa mukaka;
akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota.
26Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende,
ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi.
Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake,
akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake.
27Patsoka dzake, akanyura,
akawa; hoyo akatandavarapo.
Patsoka dzake akanyura, akawa;
paakanyura, ndipo paakawira, akafa.

28“Napawindo mai vaSisera vakadongorera;
vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti,
‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika?
Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’
29Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura;
zvirokwazvo, anoramba achiti,
30‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti,
musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete,
nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera,
nguo dzina mavara dzakarukwa,
nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu,
zvose izvi zviri zvakapambwa?’

31“Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha!
Asi vanokudai ngavave sezuva
parinobuda nesimba raro.”
Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.

Copyright information for SnaBDSC